Nhamo Yedhorobha

Nhamo Yedhorobha

Aaron Chakanyuka & Dendende Express

Альбом: Hits 1997-2005
Длительность: 6:03
Год: 2011
Скачать MP3

Текст песни

Imi amai vangu ndiri kuno kudhorobha
Nhamo yedhorobha yanditemesa musoro
Imi amai vangu ndiri kuno kudhorobha
Nhamo yedhorobha yanditemesa musoro

Chinangwa changu ndiri kuno kudhorobha
Dai ndashanda ndayeuka vari kumusha
Chinangwa changu ndiri kuno kudhorobha
Dai ndashanda ndayeuka vari kwaGutu

Dai zvaigona maindikumbirirawo kuvakuru
Vandibvise rushambwa ndigarewo zvakanaka
Dai zvaigona maindikumbirirawo kuvakuru
Vandibvise rushambwa ndigarewo zvakanaka

Musazoona kurova moti ndakagarika
Musazoona kuchona moti ndigere mushe
Musazoona kurova moti ndakagarika
Mozoona kusimba moti ndigere bho
Aiwa kwete

Musazoona kurova moti ndakagarika
Musazoona kuchona moti ndigere mushe
Mozoona kuchona moti ndigere bho
Mukatoona kusimba moti ndakagarika
Aiwa kwete

Inhamo kugara kudhorobha
Kutambura kugara padhorobha
Kunetseka kugara mudhorobha
Kushupika

Kana ndoshanda ndichauya kumusha ini
Kana ndoshanda ndichauya kumusha kani
Kana ndoshanda ndichauya kumusha ini
Kana ndoshanda ndichauya ku-