Maruva Enyika

Maruva Enyika

Leonard Karikoga Zhakata

Альбом: Greatest Hits
Длительность: 10:56
Год: 1996
Скачать MP3

Текст песни

Zvakauya seiko mupfungwa dzenyu Mwari Mambo
Kutisikira maruva enyika vanasikana
Zvakauya seiko mupfungwa dzenyu Mwari Mambo
Kutisikira maruva enyika vanasikana

Vetsiye nyoro verunako vecheno
Madzimai ngaarumbidzwe
Vetsiye nyoro verunako vecheno
Madzimai ngaarumbidzwe

Deno vasiko madzimai edu aya
Varume nyika ino dai iri yembavha nemhondi chete
Deno vasiko madzimai edu aya
Varume nyika ino dai iri yembavha nemhondi chete

Vageza zvavo vadye jira vanasikana
Huya uone migwagwa yobwinya necheno iyo
Vageza zvavo vadye jira vanasikana
Huya uone migwagwa yobwinya necheno iyo

Buda mumba madeukazuva mumwe wangu iwe
Huya uone guta riye rashongedzwa
Zvakauya seiko mupfungwa dzenyu Mwari Mambo
Kutisikira maruva enyika vanasikana
Tinotenda isu tinotenda
Tinotenda Baba tinotenda

Tarira nyika iye yatekeshera madzimai
Honaka nyika iye yofashukira madzimai
Tarira nyika iye yatekeshera madzimai
Honaka nyika iye yofashukira madzimai

Iwe ndiwe wakaita seiko usina wako
Sarura wako mumwe chete wekuvimba naye
Iwe ndiwe wakaita seiko usina wako
Sarura wako mumwe chete wekuvimba naye

Asina hameno zvake
Asina hameno zvake
Asina hameno zvake
Asina hameno zvake
Asina hameno zvake
Asina ifuza iro

Tarira zvinoita vamwe mukudanana (mukudanana)
Honavo zvinoita vamwe mukudanana (mukudanana)
Tarira zvinoita vamwe mukudanana (mukudanana)
Honavo zvinoita vamwe mukudanana (mukudanana)
Wongowongorora zvoita vamwe vanodanana (vanodanana)
Iwe yemurawo zvoita vanodanana (vanodanana)
Wongowongorora zvoita vamwe vanodanana (vanodanana)
Asi rega kutorwa moyo kana kuchiva

Zviitiko zvenyika haungazvikwanise
Zviitiko zvenyika haungazvikwanise babe
Zviitiko zvenyika haungazvikwanise
Zviitiko zvenyika haungazvikwanise gufela
Zviitiko zvenyika haungazvikwanise
Zviitiko zvenyika haungazvikwanise chenjera

Poison yakadirwa mutsime rinocherwa nemunhu wese
Ndianiko achararama pamukondombera

Vakange vauya zvakanaka madzimai
Kutipanga mazano kutivaraidzaka
Vakange vauya zvakanaka madzimai
Kutipanga mazano kutivaraidzaka

Ungararame seiko usina wako anokuyemura
Upenyu hwacho hungatobhowa
Chokwadi hunotobhowa