Kana Ndafa

Kana Ndafa

Soul Jah Luv

Альбом: Kana Ndafa
Длительность: 5:14
Год: 2019
Скачать MP3

Текст песни

Bad Company
So So So
Ngwendeza

Sekutamba sekuseka
Musoro uchingo cracker, zvichitoitika
Asi ndinozviziva ndichangopepereka nenyika
Ndichingofamba zvangu ndichingotendereka
Asi ndichataura kuzvisvikira zvajeka
Ndaisaziva kuti nhamo ichandicheka
Chokwadi vakawanda vachandibuka
Asi ngoma ndoramba ndichibika
Nekuti varipo vachandisvibisa
Vaye vachandichipisa
Vanoti zvandaita hazviite
Varipo vachati tomusimbisa
Asi vamwe vachangondipikisa
Asi chandinoda kuzvijekes, kazvichenesa
Nekuti zvimwe zvacho nevanhu zvinovengesa
Saka ndoda kuti

Kana ndafa ndoda mugoziva
Ndapinda muguva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Apa ndivo futi vatumira mamhepo
Vavengi
Vavengi

Kana ndafa ndapinda muguva
Ndoda mugoziva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Asi ndivo futi vaindi tumira mamhepo
Mamhepo

Wonzi raiva zambuko
Riye rava dziva
Hada Sauro hapana chaanoziva
Kana ukaona vachiita kukurava
Unoti aiwa uyu anovava
Asi ndivo futi vanenge vachikuseka nyangwe mbatya yaukapfeka
Asi mangwana zvichiitika nguva dzichifamba
People are dying
Soul Jah Love is crying
Yes we keep on trying and i keep on flying
Asi chandinoziva kuti Mwari vachabuditsa chokwadi
Ichokwadi

Hapana munhu wenyama anotonga
Saka Mwari ndovanotonga
Nyangwe muchida zvenyu kunditonga
Munondiona kunge ndinopenga
Ndikataura munoti hapana chinozikanwa
Saka ndangoti muzive
Kuti inini

Kana ndafa ndoda mugoziva
Ndapinda muguva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Apa ndivo futi vatumira mamhepo
Vavengi
Vavengi

Kana ndafa ndapinda muguva
Ndoda mugoziva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Asi ndivo futi vaindi tumira mamhepo
Mamhepo

Kungoti chete munhu kana munhu wodonha
Unoita kunge usina chawaimbogona
Ende uchisangana netsaona
Mota dzako uchifamba pamwe uchi spinner
Eh vachiplanner kutokurova kunge pena
Ende pese pawakena vaida kungoona zvinhu zvako zvichi turner
Asi iwe uchi entertainer

Ende kungoti ndinotemba naMwari
Ndine faith
Ivo vane little faith
Saka ndiri kumberi kwavo
Chero vachizviita ndana Mwari
Mwari kudenga vanoona
Ndachema handina chandotya

Ndachema
Handina chandinotya

Asi kana ndafa ndoda mugoziva
Ndapinda muguva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Apa ndivo futi vatumira mamhepo
Vavengi
Vavengi

Ndati kana ndafa ndapinda muguva
Ndoda mugoziva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Asi ndivo futi vaindi tumira mamhepo
Mamhepo

Chandinoziva munhu wese azvarwa changosara kufa
Nyangwe vasina kuona pandai suffer
Asi mutumbi wangu pamuchaushafa
Mozovaudza kuti Sauro i gafa

Chaingomhanywa chingoma ichi
Chingoma ichi
Mangoma chinomagona mangoma Chibaba!

Hapana kuda kuzvininipisa
Vamwe vanondichipisa
Ndanga ndakuda ku deepisa
Paye pamunondiipisa
Ndinochigona chibasa ichi
Ndicho changu chibasa ichi
Chingoma ichi

Bad Company

Asi kana ndafa ndoda mugoziva
Ndapinda muguva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Apa ndivo futi vatumira mamhepo
Vavengi
Vavengi

Ndati kana ndafa ndapinda muguva
Ndoda mugoziva
Zvimwe zvamaiudzwa aiva manyepo
Asi ndivo futi vaindi tumira mamhepo
Mamhepo