Mombe

Mombe

Tocky Vibes

Альбом: Long Live Chama 2
Длительность: 3:13
Год: 2022
Скачать MP3

Текст песни

Tele, ngrr (Soldier) hallo
Nhai veduwe, veduwee kudii?
Iwe, iwe, iwe, iwe, iwe, time to go around

Afirwa haatariswe kumeso
Moramba muchingondifungidza sezvinhu zvakaitika
Zvinondirwadza moyo, zvinodzimba moyo (hee)
Nhamo inhamo, amai havaroodzwi
Ehe, ndatambura asi ini handichinji, handibate midzi

Mwari vachandipa nekuti ndivo muridzi
Zvehu-dungi, aiva madziva achave mazambuko
Toyambuka, ziva, mukwasha imboko
Vaiva nezenze vachareruka, ndabuka
Zvavakwauri kuwarira kana kufuka

Chinokura usipo imombe, munda unosakurirwa
Ngoma muchingopakurirwa
Hombe dzamuchanovhurirwa
Munodzinzwa hadzimbode kutirikirwa
Munda unosakurirwa
Ngoma muchingopakurirwa
Hombe dzamuchanovhurirwa
Ndasvika, handina kusvikirwa

Zvese unazvo asi hausisiri iwewe
Wachinja wava kungoda zvendewa
Ndombokurota wakandibatira museve
Unoreva ani? Ndirikureva iwewe
Chete munongoda zviri nyore zvema-short cut
Ndokusaka uri wema-box cut
Kuenda kunoromba watozvicherera rako gomba, zomba

Wakazviuraira mazhetsi
Wakazvidzimira magetsi
Waimhanya kuita kunge Fast Jet
Wakazvidzimira magetsi

Chinokura usipo imombe, munda unosakurirwa
Ngoma muchingopakurirwa
Hombe dzamuchanovhurirwa
Munodzinzwa hadzimbode kutirikirwa
Munda unosakurirwa
Ngoma muchingopakurirwa
Hombe dzamuchanovhurirwa
Ndasvika, handina kusvikirwa

Sango rinopa waneta ngarichindipawo
Ndaneta, ndakuda kumbopfumawo
Kushanda ndinoshanda ini everyday
Husiku nemasikati ma-shift ese
Hmm, dai

Dai ndiine mapapiro ndaiuya ndizorore, ndaiuya ndizorore
Dai, dai ndiine mapapiro ndaiuya ndizorore, ndaiuya ndizorore

Chinokura usipo imombe, munda unosakurirwa
Ngoma muchingopakurirwa
Hombe dzamuchanovhurirwa
Munodzinzwa hadzimbode kutirikirwa
Munda unosakurirwa
Ngoma muchingopakurirwa
Hombe dzamuchanovhurirwa
Ndasvika, handina kusvikirwa

Shelter, Sunshine, Paulinyo
Kanengoni (Boss Mathumbu, Cape Town)
Lucky, Kandawasvika, pari pang-pang-pang-pangu
(Yo Royce) zviri, bang-bang-be
Soldier