Chishamiso

Chishamiso

Trevor Dongo

Длительность: 4:02
Год: 2021
Скачать MP3

Текст песни

Dali wami, mudiwa wangu
Ti-ti team

(Eternity)

Chiona zvino rudo rwangu nderwako
Pakutanga kwazvo, taingobira-bira
You became my best friend
Nothing more and nothing less, yeah

Mheni yerudo ndokurova ichibva mabvazuva
Yakapeputsa moyo, ikatipa chiwono chataisatomboona
Mheni yerudo ndokurova ichibva mabvazuva
Hana yangu nehana yako, zvikaroverana pamwe

Our life is so magical, yeah

Chishamiso, dhali wangu
Kuti takura murudo, takura murudo
Chishamiso, mudiwa wangu
Hona takura murudo, takura murudo

Uri mweya wangu wekufema
Uri Munyaradzi pandinochema
Unondipa chiyedza zuva radoka, hee
Unondigamha apo ndokoromoka, iwe

Chengeta mazwi anerudo runonyevenutsa moyo
Ndinokuda iwe dali, nguwe sthandwa sami
Chengeta mazwi (mazwi) anerudo (anerudo) runonyevenutsa hana (hana)
Ndinovatenda Mwari vakakusika, kuti uve wangu iwe

Chishamiso, dhali wangu
Kuti takura murudo, takura murudo
Chishamiso, mudiwa wangu
Hona takura murudo, takura murudo

Huya ndikuratidze, huya ndikuratidze rudo
Huya ndikuratidze iwe, oh
Huya ndikuratidze, huya ndikuratidze rudo
Huya ndikuratidze rudo

Chishamiso, dhali wangu (hey)
Kuti takura murudo (takura murudo) takura murudo
Chishamiso, mudiwa wangu (hey)
Hona takura murudo, takura murudo

(Takura murudo)
Yeah, nyaya dzemoyo
Ooh, yeah
Ndini Trevor wekwaDongo ini