Hosanna Wekudenga (Live)
Zimpraise & The Choir
6:18Ndinochema, Ishe Mwari! Baba uri Mutsvene ndinzwe; Handina kufara Mambo, Ndiponise Ishe wangu. Ndiri hwai, ndarasika; Nganditsvakwe, ndidzoswezve; Ndiri pasi pamapako, Chindironda Ishe wangu. Ndakarasika nzira yako, Ndikarega tsitsi dzako, Ndikakwira pamikwidza, Ndikanyura pakaipa. Pane rima rakakomba, Buda, Zuva rakanaka! Ngandipinde pane nzira, Ndiponeswe, Ishe, Jesu.