Gogogoi
Alick Macheso And Orchestra Mberikwazvo
7:11Mwana wamai vangu wee wandifungira zvipiko? Mwana wamai vangu wee wandifungira zvipi iwee? Zvatiri veropa rimwe isu ngatisafungidzirane Zvatiri veropa rimwe isu ngatisafungidzirane mupfungwa Kunyarara usati kuti hupofu, ndaizviona zvangu Kunyarara usati kuti hupofu, ndaizviona zvangu iniwo Zvepano ndozvireva kwahi mavara azarevhu Zvepano ndozvireva kwahi mavara azarevhu aya Zvawaindipedzera sadza, waiti ndinodyeyiko Zvawaindipedzera sadza, waiti ndinodyeyiko iniwo Zvawainditorera zvese ini, waiti hapana changu Zvawainditorera zvese ini, waiti hapana change seiko? Mweya wazokugara uyu zvaunenge wehutsinye Mweya wazokugara uyu zvaunenge wehutsinye mwana wamai Ndinotenda mumwe wangu wee, ndinotenda nezvawaita Mumwe wangu wee,wandipa chidzidzo ini Wazondishungurudzaa Ndinotenda mumwe wangu wee, ndinotenda nezvawaita Mumwe wangu wee,wandipa chidzidzo ini Wazondishungurudzaa Hezvoka nhasi uno wakanganwa uyo akakuratidza nzira Yauri kungofamba nanhasi uno Hezvoka nhasi uno wakanganwa uyo akakuratidza nzira Yauri kungofamba nanhasi uno Murango wacho hauna zuva iwe Izuva rimwee razvichakunetsa Murango wacho hauna zuva iwe Izuva rimwee razvichakunetsa Murango wacho hauna zuva iwe Izuva rimwee razvichakudzimba Murango wacho hauna zuva iwe Izuva rimwee razvichakudzimba Murango wacho hauna zuva iwe Izuva rimwee razvichakunetsa