Mwana Wamai Vangu

Mwana Wamai Vangu

Alick Macheso And Orchestra Mberikwazvo

Альбом: Magariro
Длительность: 7:32
Год: 2025
Скачать MP3

Текст песни

Mwana wamai vangu wee wandifungira zvipiko?
Mwana wamai vangu wee wandifungira zvipi iwee?

Zvatiri veropa rimwe isu ngatisafungidzirane
Zvatiri veropa rimwe isu ngatisafungidzirane mupfungwa

Kunyarara usati kuti hupofu, ndaizviona zvangu
Kunyarara usati kuti hupofu, ndaizviona zvangu iniwo

Zvepano ndozvireva kwahi mavara azarevhu
Zvepano ndozvireva kwahi mavara azarevhu aya

Zvawaindipedzera sadza, waiti ndinodyeyiko
Zvawaindipedzera sadza, waiti ndinodyeyiko iniwo

Zvawainditorera zvese ini, waiti hapana changu
Zvawainditorera zvese ini, waiti hapana change seiko?

Mweya wazokugara uyu zvaunenge wehutsinye
Mweya wazokugara uyu zvaunenge wehutsinye mwana wamai

Ndinotenda mumwe wangu wee, ndinotenda nezvawaita
Mumwe wangu wee,wandipa chidzidzo ini
Wazondishungurudzaa

Ndinotenda mumwe wangu wee, ndinotenda nezvawaita
Mumwe wangu wee,wandipa chidzidzo ini
Wazondishungurudzaa

Hezvoka nhasi uno wakanganwa uyo akakuratidza nzira
Yauri kungofamba nanhasi uno

Hezvoka nhasi uno wakanganwa uyo akakuratidza nzira
Yauri kungofamba nanhasi uno

Murango wacho hauna zuva iwe
Izuva rimwee razvichakunetsa

Murango wacho hauna zuva iwe
Izuva rimwee razvichakunetsa

Murango wacho hauna zuva iwe
Izuva rimwee razvichakudzimba

Murango wacho hauna zuva iwe
Izuva rimwee razvichakudzimba

Murango wacho hauna zuva iwe
Izuva rimwee razvichakunetsa